Daniel 6:10 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino Danieri wakati anzwa kuti runyoro rwaiswa zita ramambo, akapinda mumba make (ɀino mawindi ekamuri yake akaŋga akazarurwa acitarira kurutiʋi rweJerusarema); akafugama namabvi ake katatu nezuʋa, akanyeŋgetera nokuʋoŋga pamberi paMŋari wake, seɀaaisiita.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvino Dhanieri akati anzwa kuti chirevo chakanga chaziviswa, akaenda muimba yake yapamusoro yaiva namawindo akanga akatarira kuJerusarema. Akapfugama namabvi ake akanyengetera katatu pazuva, achivonga kuna Mwari wake, sezvaaisiita.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Dhanieri paakazviziva kuti gwaro rasainwa namambo zita ravo, akaenda kumba kwake mumba yake yapamusoro yaiva namahwindo akashama akatarisa kuJerusaremu, aipfugama pasi imomo katatu pazuva achinamata achitenda Mwari wake sezvaaingoita kare.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Dhanieri akati anzwa kuti runyoro rwaiswa zita ramambo, akapinda mumba make zvino mawindo ekamuri yake akanga akazarurwa achitarira kurutivi rweJerusaremu; akapfugama namabvi ake katatu pazuva, akanyengetera nokurumbidza Mwari wake, sezvaaisiita.
Shona 2009?
Zvino Dhanyeri akati anzwa kuti runyoro rwaiswa zita ramambo, akapinda mumba make zvino mahwindo ekamuri yake akanga akazarurwa achitarira kurutivi rweJerusaremu; akapfugama namabvi ake katatu pazuva, akanyengetera nokurumbidza Mwari wake, sezvaaisiita.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino Dhanieri akati anzwa kuti runyoro rwaiswa zita ramambo, akapinda mumba make zvino mawindo ekamuri yake akanga akazarurwa achitarira kurutivi rweJerusaremu; akapfugama namabvi ake katatu pazuva, akanyengetera nokurumbidza Mwari wake, sezvaaisiita.