Daniel 6:13 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino ʋakapindura, ʋakati pamberi pamambo: Uya Danieri waʋana ʋaJuda ʋakatapxa, haane‐hanya nemi, imi mambo, kana necireʋo camakaisa zita renyu, asi unokumbira katatu nezuʋa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo vakati kuna mambo, “Dhanieri, mumwe wavakatapwa vakabva Judha, haakuteererei, imi mambo, kana kuchirevo chamakatema norunyoro rwenyu. Achiri kunyengetera katatu pazuva.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ivo ndokuti kuna mambo, “Dhanieri uya mumwe wenhapwa dzakatapwa kwaJudha, haambokendenga zvake nezvenyu imi mambo kunyange icho chirevo chamasaina. Asi anotoita munamato wake rutatu pazuva.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino vakapindura, vakati pamberi pamambo, “Uya Dhanieri wavana vaJudha vakatapwa, haana hanya nemi, imi mambo, kana nechirevo chamakaisa zita renyu, asi unokumbira katatu pazuva.”
Shona 2009?
Zvino vakapindura, vakati pamberi pamambo, "Uya Dhanyeri wavana vaJudha vakatapwa, haana hanya nemi, imwi mambo, kana nechirevo chamakaisa zita renyu, asi unokumbira katatu pazuva."
Shona SUB 2002 Bible
Zvino vakapindura, vakati pamberi pamambo, “Uya Dhanieri wavana vaJudha vakatapwa, haana hanya nemi, imi mambo, kana nechirevo chamakaisa zita renyu, asi unokumbira katatu pazuva.”