Daniel 6:14 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino mambo wakati acinzwa mashoko iwayo, akatsamŋa kwaɀo, akafuŋga mano pamŋoyo pake okurwira Danieri; akatambudzika kuȿikira zuʋa riciʋira aciidza kumurwira.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mambo akati anzwa izvi, akatambudzika zvikuru; akanga achida kurwira Dhanieri uye akaedza nzira dzose dzokumuponesa kusvikira kwadoka.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mashoko iwaya paakasvika munzeve dzamambo kudaro zvakamushungurudza mwoyo akafunga zvokununura Dhanieri. Akashanda kwazvo kusvikira zuva radoka achida kumununura.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino mambo akati achinzwa mashoko iwayo, akatsamwa kwazvo, akafunga mano pamwoyo pake okurwira Dhanieri; akatambudzika kusvikira zuva richivira achiedza kumurwira.
Shona 2009?
Zvino mambo akati achinzwa mashoko iwayo, akatsamwa kwazvo, akafunga mano pamwoyo pake okurwira Dhanyeri akatambudzika kusvikira zuva richivira achiedza kumurwira.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino mambo akati achinzwa mashoko iwayo, akatsamwa kwazvo, akafunga mano pamwoyo pake okurwira Dhanieri; akatambudzika kusvikira zuva richivira achiedza kumurwira.