Daniel 6:18 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo mambo akaenda kuimba yake yoʋushe, akaʋata aciɀinyima ɀokudya; kunyaŋge neɀinoridzwa ɀipi neɀipi haɀina‐kuʋuyiswa pamberi pake; hope dzake dzikatiza.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo mambo akadzokera kumuzinda wake akavata usiku hwose asina kudya uye hakuna chinhu chipi chaivaraidza chakauyiswa kwaari. Uye akashayiwa hope.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mambo akaenda kumuzinda kwake akararirotsanya usiku ihwohwo zvokumbomuvaraidza zviya pasina, hope dzikamutiza.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo mambo akaenda kuimba yake youshe, akavata achizvinyima zvokudya; kunyange nezvinoridzwa zvipi nezvipi hazvina kuuyiswa pamberi pake; hope dzake dzikatiza.
Shona 2009?
Ipapo mambo akaenda kuimba yake youshe, akavata achitsanya; kunyange nezvinoridzwa zvipi nezvipi hazvina kuuyiswa pamberi pake; hope dzake dzikatiza.
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo mambo akaenda kuimba yake youshe, akavata achizvinyima zvokudya; kunyangwe nezvinoridzwa zvipi nezvipi hazvina kuuyiswa pamberi pake; hope dzake dzikatiza.