Daniel 6:22 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Mŋari waŋgu wakatuma mutumŋa wake, akadziʋira miromo yeshumba, dzikasandikuʋadza; nokuti pamberi pake ndakawanikwa kuti handinemhoȿa, napamberi penyu ʋo, imi mambo, hakune‐cakaipa candakaita.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mwari wangu akatuma mutumwa wake, akadzivirira miromo yeshumba. Hadzina kundikuvadza, nokuti ndakawanikwa ndisina mhosva pamberi pake. Uye handina kumboita chinhu chakaipa pamberi penyu, imi mambo.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mwari wangu akatuma mutumwa wake akabva azarira shumba idzi muromo. Nezvo hadzina kundikuvadza nokuti zvakaonekwa kuti hapana chandakamutadzira kana chandakatadzira imimi mambo.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Mwari wangu akatuma mutumwa wake, akadzivira miromo yeshumba, dzikasandikuvadza; nokuti pamberi pake ndakawanikwa kuti handina mhosva, napamberi penyuwo, imi mambo, hakune chakaipa chandakaita.”
Shona 2009?
Mwari wangu akatuma mutumwa wake, akadzivira miromo yeshumba, dzikasandikuvadza; nokuti pamberi pake ndakawanikwa kuti handina mhosva, napamberi penyuwo, imwi mambo, hakune chakaipa chandakaita."
Shona SUB 2002 Bible
Mwari wangu akatuma mutumwa wake, akadzivira miromo yeshumba, dzikasandikuvadza; nokuti pamberi pake ndakawanikwa kuti handina mhosva, napamberi penyuwo, imi mambo, hakuna chakaipa chandakaita.”