Daniel 6:23 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo mambo akafara ɀikuru kwaɀo, akaraira kuti ʋaɓuɗise Danieri mugomba. Naiɀoɀo Danieri wakaɓuɗiswa mugomba, ʋakashaiwa cose paakakuʋadzwa, nokuti wakaŋga aʋimba naMŋari wake.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mambo akafara zvikuru akarayira kuti Dhanieri abudiswe mugomba. Uye Dhanieri akati abudiswa mugomba, hakuna vanga rakawanikwa paari, nokuti akanga avimba naMwari wake.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mambo ndipo paakazopembera nokufara akati Dhanieri ngaaburitswe mugomba imomo. Saizvozvowo Dhanieri akaburitswa mugomba muya akawanikwa asina kana kumbokuvadzwa zvake pamusana pokuti akavimba naMwari wake.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo mambo akafara zvikuru kwazvo, akarayira kuti vabudise Dhanieri mugomba. Naizvozvo Dhanieri akabudiswa mugomba, vakashayiwa chose paakakuvadzwa, nokuti wakanga avimba naMwari wake.
Shona 2009?
Ipapo mambo akafara zvikuru kwazvo, akarayira kuti vabudise Dhanyeri mugomba. Naizvozvo Dhanyeri akabudiswa mugomba, vakashayiwa chose paakakuvadzwa, nokuti wakanga avimba naMwari wake.
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo mambo akafara zvikuru kwazvo, akarayira kuti vabudise Dhanieri mugomba. Naizvozvo Dhanieri akabudiswa mugomba, vakashayiwa chose paakakuvadzwa, nokuti wakanga avimba naMwari wake.