Daniel 6:26 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ndinotema cireʋo, kuti panyika yose yoʋushe bgaŋgu ʋanhu ʋose ʋaɗeɗere ʋatye pamberi paMŋari waDanieri; nokuti ndiye Mŋari mupenyu, uri’po nokusiŋgaperi, ʋushe bgake haʋuŋgaparadzwi; kuɓata kwake ʋushe kucaʋa’po kuȿikira pakuguma.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Ndinotema chirevo chokuti munzvimbo dzose dzoushe hwangu vanhu vanofanira kutya nokuremekedza Mwari waDhanieri. “Nokuti ndiye Mwari mupenyu uye anogara nokusingaperi; umambo hwake hahungaparadzwi, ushe hwake hahutongogumi.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ndatema chirevo chokuti: Kwose kwandinotonga ini samambo, vanhu ngavadedere vachitya Mwari waDhanieri: “Nokuti iyeyu ndiye Mwari mupenyu anogara narini narini wose. Umambo hwake haumbofa hwakaparadzwa, hutongi hwake huchavako kudzamara kumagumo chaiko.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ndinotema chirevo, kuti munyika yose youshe hwangu vanhu vose vadedere vatye pamberi paMwari waDhanieri; nokuti ndiye Mwari mupenyu, aripo nokusingaperi, ushe hwake haungaparadzwi; kubata kwake ushe kuchavapo kusvikira pakuguma.
Shona 2009?
Ndinotema chirevo, kuti munyika yose youshe hwangu vanhu vose vadedere vatye pamberi paMwari waDhanyeri; nokuti ndiye Mwari mupenyu, aripo nokusingaperi, ushe hwake haungaparadzwi; kubata kwake ushe kuchavapo kusvikira pakuguma.
Shona SUB 2002 Bible
Ndinotema chirevo, kuti munyika yose youshe hwangu vanhu vose vadedere vatye pamberi paMwari waDhanieri; nokuti ndiye Mwari mupenyu, aripo nokusingaperi, ushe hwake haungaparadzwi; kubata kwake ushe kuchavapo kusvikira pakuguma.