Daniel 6:8 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino citemai cireʋo, imi mambo, muise zita renyu parunyoro, kuti cirege kuzoshandurwa, nomurairo waʋaMedia naʋaPersia usiŋgashandurwi.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvino, imi mambo isai chirevo uye muchinyore kuitira chirege kushandurwa zvinoenderana nemirayiro yavaMedhia navaPezhia, usingagoni kushandurwa.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zvino imi mambo chiitai chirevo ichocho musaine gwaro iroro kuti zvirege kuzosandurwa maererano nomutemo wavaMidhi navaPezhia usingasanduriki.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino chitemai chirevo, imi mambo, muise zita renyu parunyoro, kuti chirege kuzoshandurwa, nomurayiro wavaMedhia navaPeresia usingashandurwi.”
Shona 2009?
Zvino chitemai chirevo, imwi mambo, muise zita renyu parunyoro, kuti chirege kuzoshandurwa, nomurayiro wavaMedhia navaPeresia usingashandurwi."
Shona SUB 2002 Bible
Zvino chitemai chirevo, imi mambo, muise zita renyu parunyoro, kuti chirege kuzoshandurwa, nomurairo wavaMedhia navaPeresia usingashandurwi.”