Daniel 7:1 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Negore rokutaŋga raBershazari mambo weBabironi Danieri akarota, akaratidzwa ɀimŋe mumusoro make ari panhoʋo dzake; akanyora ɀaakarota, akaʋudza ʋanhu mashoko makuru aɀo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mugore rokutanga ramambo Bherishazari, mambo weBhabhironi, Dhanieri akarota hope, uye akaona zviratidzo mumusoro make paakanga avete pamubhedha wake. Akanyora muchidimbu, zvose zvaakarota.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mugore rechiposhi rokutonga kwaBherishaza, mambo weBhabhironi, Dhanieri akarota hope. Akaona zviratidzo mumusoro make arere pamubhedha wake. Akanyora chiroto ichocho akarondedzera muchidimu zvaakarota.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Negore rokutanga raBheshazari mambo weBhabhironi Dhanieri akarota, akaratidzwa zvimwe mumusoro make ari panhoo dzake; akanyora zvaakarota, akaudza vanhu mashoko makuru azvo.
Shona 2009?
Negore rokutanga raBheshazari mambo weBhabhironi Dhanyeri akarota, akaratidzwa zvimwe mumusoro make ari panhovo dzake, akanyora zvaakarota, akaudza vanhu mashoko makuru azvo.
Shona SUB 2002 Bible
Negore rokutanga raBheshazari mambo weBhabhironi Dhanieri akarota, akaratidzwa zvimwe mumusoro make ari panhoo dzake; akanyora zvaakarota, akaudza vanhu mashoko makuru azvo.