Daniel 7:14 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Akapiwa simba, nokubginya, noʋushe, kuti ʋanhu ʋose namarudzi ose namarimi ose ʋamushumire; simba rake roʋushe isimba risiŋgaperi, risiŋgazopfuʋuri, ʋuye ʋushe bgake haʋuŋgazoparadzwi.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Akapiwa simba, kubwinya nesimba roushe; vanhu vose, ndudzi dzose uye vanhu vemitauro yose vakamunamata. Ushe hwake hunogara nokusingaperi husingazongopfuuri, uye umambo hwake ndihwo husingazomboparadzwi.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Iye ndokupiwa utongi nembiri noumambo kuitira kuti vanhu vamarudzi ose zvawo ndudzi nendudzi, ndimi nendimi vave vokumushandira, hutongi hwake, huri hutongi hwokugara nokugara husingazombofa hwakapera, umambowo hwake umambo husingafi hwakaparadzwa.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Akapiwa simba, nokubwinya, noushe, kuti vanhu vose namarudzi ose namarimi ose vamushumire; simba rake roushe isimba risingaperi, risingazopfuuri, uye ushe hwake haungazoparadzwi.
Shona 2009?
Akapiwa simba, nokubwinya, noushe, kuti vanhu vose namarudzi ose namarimi ose vamushumire; simba rake roushe isimba risingaperi, risingazopfuuri, uye ushe hwake haungazoparadzwi.
Shona SUB 2002 Bible
Akapiwa simba, nokubwinya, noushe, kuti vanhu vose namarudzi ose namarimi ose vamushumire; simba rake roushe isimba risingaperi, risingazopfuuri, uye ushe hwake haungazoparadzwi.