Daniel 7:19 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo ndakaɗa kuziʋa kuɗudzirwa kwa ɀokwaɗi kwemhuka yecinna, yakaŋga yakasiyana nedzimŋe dzose, yakaŋga icityisa ɀikuru, yakaŋga inameso oʋutare, nzara dzayo dziri dzendarira; iyo, yakaŋga yapedza, nokuputsanya, nokupxanya ɀakasara netsoka dzayo;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Ipapo ndakada kuziva chokwadi chezvinoreva mhuka yechina, yakanga yakasiyana nedzimwe dzose uye yaityisa kwazvo, namazino ayo esimbi nenzara dzendarira, mhuka yakapwanya ikadya nyama uye ikatsika-tsika namakumbo ayo zvose zvakanga zvasara.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Ini ndipo pandakada kuziva chaizvoizvo zvaireva chikara chechina chiya chakanga chakasiyana nezvimwe zvose chaityisa kwazvo, chaiva namazino esimbi nenzara dzendarira, chaibvambura chichityoranisa chichitsokodzera netsoka dzacho zvainge zvasara
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Ipapo ndakada kuziva kududzirwa kwachokwadi kwemhuka yechina, yakanga yakasiyana nedzimwe dzose, yakanga ichityisa zvikuru, yakanga ina meso outare, nzara dzayo dziri dzendarira; iyo, yakanga yapedza, nokuputsanya, nokupwanya zvakasara netsoka dzayo;
Shona 2009?
"Ipapo ndakada kuziva kududzirwa kwachokwadi kwemhuka yechina, yakanga yakasiyana nedzimwe dzose, yakanga ichityisa zvikuru, yakanga ina meso outare, nzara dzayo dziri dzendariraiyo yakanga yapedzanokuputsanya, nokupwanya zvakasara netsoka dzayo;
Shona SUB 2002 Bible
“Ipapo ndakada kuziva kududzirwa kwachokwadi kwemhuka yechina, yakanga yakasiyana nedzimwe dzose, yakanga ichityisa zvikuru, yakanga ina meso outare, nzara dzayo dziri dzendarira; iyo, yakanga yapedza, nokuputsanya, nokupwanya zvakasara netsoka dzayo;