Daniel 7:24 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Kana dziri nyaŋga dzinegumi, paʋushe ubgu pacamuka madzimambo anegumi, asi mumŋe ɀe ucamuka shure kwaʋo; iye ucasiyana naʋamŋe ʋokutaŋga, ucakunda madzimambo matatu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Nyanga gumi ndidzo madzimambo gumi achabva kuumambo uhu. Shure kwavo kuchamuka mumwe mambo, akasiyana navaya vokutanga; achakunda madzimambo matatu.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zvegumi renyanga dziya zvinoreva kuti muumambo ihwohu muchamuka madzimambo gumi kwozomukawo mumwezve mushure mahwo. Iyeyu uyu achange akasiyana navamwe vaya vokutanga, achakurira madzimambo matatu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Kana dziri nyanga dzine gumi, paushe uhwu pachamuka madzimambo ane gumi, asi mumwezve achamuka shure kwavo; iye achasiyana navamwe vokutanga, achakunda madzimambo matatu.
Shona 2009?
Kana dziri nyanga dzine gumi, paushe uhwu pachamuka madzimambo ane gumi, asi mumwezve achamuka shure kwavo; iye achasiyana navamwe vokutanga, achakunda madzimambo matatu.
Shona SUB 2002 Bible
Kana dziri nyanga dzine gumi, paushe uhwu pachamuka madzimambo ane gumi, asi mumwezve achamuka shure kwavo; iye achasiyana navamwe vokutanga, achakunda madzimambo matatu.