Daniel 7:28 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ndi’ko kuguma kweshoko. Kana ndiri’ni Danieri, pfuŋgwa dzaŋgu dzakandivundusa kwaɀo, ciso caŋgu cikashandurwa mukati maŋgu; asi ndakaceŋgeta shoko iri mumŋoyo maŋgu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Aya ndiwo magumo enyaya. Ini, Dhanieri, ndakatambudzika zvikuru nepfungwa dzangu, uye uso hwangu hwakatsvukuruka, asi ndakachengeta nyaya iyi mumwoyo mangu.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Pano ndipo pakaperera nyaya iyoyi. Asi ini Dhanieri ndakadumbirwa kwazvo nendangariro dzangu ndikasanduka ruvara, asi ndakangozvichengeta mumwoyo mangu.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Ndiko kuguma kweshoko. Kana ndirini Dhanieri, pfungwa dzangu dzakandivhundusa kwazvo, chiso changu chikashandurwa mukati mangu; asi ndakachengeta shoko iri mumwoyo mangu.
Shona 2009?
"Ndiko kuguma kweshoko. Kana ndirini Dhanyeri, pfungwa dzangu dzakandivhundusa kwazvo, chiso changu chikashandurwa mukati mangu; asi ndakachengeta shoko iri mumwoyo mangu.
Shona SUB 2002 Bible
“Ndiko kuguma kweshoko. Kana ndirini Dhanieri, pfungwa dzangu dzakandivhundusa kwazvo, chiso changu chikashandurwa mukati mangu; asi ndakachengeta shoko iri mumwoyo mangu.