Daniel 8:13 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo ndakanzwa mumŋe mutȿene acitaura; ɀino mumŋe mutȿene ɀe akati kunaiye wakaŋga acitaura: Ko iɀo ɀakaratidzwa ɀicaȿika rini, iɀo ɀecipiriso cinopiswa nokusiŋgaperi nokuɗarika kunoparadza, kuti nɀimbo tȿene nehondo ɀiregwe ɀicitsikwa netsoka?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo ndakanzwa mumwe mutsvene achitaura, uye mumwe mutsvene akati kwaari, “Zvichatora nguva yakadini kuti chiratidzo chizadziswe, chiratidzo pamusoro pechibayiro chamazuva ose, kumukira kunokonzera kuparadzwa, uye kusiyiwa kwenzvimbo tsvene nehondo zvichatsikwa-tsikwa pasi petsoka?”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ndakanzwa mumwe anoera achitaura ndokubva mumwewo anoera abvunza uya akanga ataura kuti, “Ko izvo zvechiratidzo chomupiro wokupisa unogaroitwa izvi nezvokumbosiya zvakadaro Nzvimbo Inoera negurusvusvu racho zvichitsokodzerwa zvazvo netsoka, zvichapedza nguva yakadii?”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Ipapo ndakanzwa mutsvenezve akati kuna iye akanga achitaura, ‘Ko izvo zvakaratidzwa zvichasvika rini, izvo zvechipiriso chinopiswa nokusingaperi nokudarika kunoparadza, kuti nzvimbo tsvene nehondo zviregwe zvichitsikwa netsoka?’
Shona 2009?
"Ipapo ndakanzwa mutsvenezve akati kuna iye akanga achitaura, `Ko izvo zvakaratidzwa zvichasvika rini, izvo zvechipiriso chinopiswa nokusingaperi nokudarika kunoparadza, kuti nzvimbo tsvene nehondo zviregwe zvichitsikwa netsoka?'
Shona SUB 2002 Bible
“Ipapo ndakanzwa mutsvenezve akati kuna iye akanga achitaura, ‘Ko izvo zvakaratidzwa zvichasvika rini, izvo zvechipiriso chinopiswa nokusingaperi nokudarika kunoparadza, kuti nzvimbo tsvene nehondo zviregwe zvichitsikwa netsoka?’