Daniel 8:15 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino ini, iyeni Danieri, ndakati ndaʋona ɀandaratidzwa, ndikatȿaka kuɀinzwisisa, ndikaʋona mumŋe wakaŋga akaita somunhu amire pamberi paŋgu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ini, Dhanieri, pandakanga ndichakatarira chiratidzo ndichiedza kuchinzwisisa, ndakaona hapo pamberi pangu mumwe akanga achitarisika somunhu.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ini Dhanieri pandakaona chiratidzo ichochi ndakatvsaka kuti ndichinzwisise ndiye vhu kumira mberi kwangu mumwe aiva nechimiro chinenge chomunhu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Zvino ini, iyeni Dhanieri, ndakati ndaona zvandaratidzwa, ndikatsvaka kuzvinzwisisa, ndikaona mumwe akanga akaita somunhu amire pamberi pangu.
Shona 2009?
"Zvino ini, iyeni Dhanyeri, ndakati ndaona zvandaratidzwa, ndikatsvaka kuzvinzwisisa, ndikaona mumwe akanga akanditarisa amire pamberi pangu.
Shona SUB 2002 Bible
“Zvino ini, iyeni Dhanieri, ndakati ndaona zvandaratidzwa, ndikatsvaka kuzvinzwisisa, ndikaona mumwe akanga akaita somunhu amire pamberi pangu.