Daniel 8:20 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Gondobge rawakaʋona, rakaŋga rinenyaŋga mbiri, ndiwo madzimambo aʋaMedia naʋaPersia.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Gondohwe rine nyanga rawakaona rinomirira madzimambo eMedhia nePezhia.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Zvehondohwe yawaona iya ine nyanga mbiri, ndiwo madzimambo avaMidhi navaPezhia.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Gondohwe rawakaona, rakanga rine nyanga mbiri, ndiwo madzimambo avaMedhia navaPeresia.
Shona 2009?
"Gondobwe rawakaona, rakanga rine nyanga mbiri, ndiwo madzimambo avaMedhia navaPeresia.
Shona SUB 2002 Bible
“Gondohwe rawakaona, rakanga rine nyanga mbiri, ndiwo madzimambo avaMedhia navaPeresia.