Daniel 8:24 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Simba rake ricaʋa guru, asi haɀiŋgaitwi nesimba rake cairo; ucaparadza ɀinoshamisa, asi ucafara paneɀose ɀaanoita; ucaparadza ʋanesimba naʋanhu ʋatȿene.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Achava nesimba kwazvo, asi risiri simba rake chairo. Achakonzera kuparadzwa kunoshamisa uye achabudirira pane zvose zvaanoita. Achaparadza varume vane simba navanhu vatsvene.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Achava nesimba guru. Achaita kuti kuve nokuparadza kunotyisa achibudirira mune zvaanoita achiparadza magamba chaiwo pamwechete nevorudzi rwavatsvene.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Simba rake richava guru, asi hazvingaitwi nesimba rake chairo; achaparadza zvinoshamisa, asi achafara pane zvose zvaanoita; achaparadza vane simba navanhu vatsvene.
Shona 2009?
Simba rake richava guru, asi hazvingaitwi nesimba rake chairo; achaparadza zvinoshamisa, asi achafara pane zvose zvaanoita; achaparadza vane simba navanhu vatsvene.
Shona SUB 2002 Bible
Simba rake richava guru, asi hazvingaitwi nesimba rake chairo; achaparadza zvinoshamisa, asi achafara pane zvose zvaanoita; achaparadza vane simba navanhu vatsvene.