Daniel 8:25 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino nokuŋgwara kwake ucafambisa nhema noruʋoko rwake; ucaɀikudza mumŋoyo make, nokuparadza ʋazhinji ʋakafara haʋo; ucamukira ʋo mucinda waʋacinda, asi ucaputswa ɀisiŋgaitwi noruʋoko rwomunhu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Achaita kuti kunyengera kubudirire, uye achazviona somunhu wapamusoro. Achaparadza vazhinji, pavanofunga kuti vagarika ndokumukiravo Muchinda wamachinda. Asi zvazvo achazoparadzwa, asi kwete nesimba romunhu.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Noujarijari hwake achaita kuti unyengedzi hutekeshere, zvinhu zviri mumaoko make, uye mumwoyo make achizvitutumadza. Achaparadza vazhinji pasina zvokuyambira zviya, achatomukirawo kana nairo Jinda ramachinda, asi kuparara achaparara asi kwete kuparadzwa noruoko rwomunhu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino nokungwara kwake achafambisa nhema noruoko rwake; achazvikudza mumwoyo make, nokuparadza vazhinji vakafara havo. Achamukirawo muchinda wavachinda, asi uchaputswa zvisingaitwi noruoko rwomunhu.
Shona 2009?
Zvino nokungwara kwake achafambisa nhema noruoko rwake; achazvikudza mumwoyo make, nokuparadza vazhinji vakafara havo. Achamukirawo muchinda wavachinda, asi uchaputswa zvisingaitwi noruoko rwomunhu.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino nokungwara kwake achafambisa nhema noruoko rwake; achazvikudza mumwoyo make, nokuparadza vazhinji vakafara havo. Achamukirawo muchinda wavachinda, asi uchaputswa zvisingaitwi noruoko rwomunhu.