Daniel 8:3 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ndikarinzira meso aŋgu, ndikatarira, ndikaʋona gondobge rimire pamberi porwizi, rinenyaŋga mbiri; nyaŋga mbiri dzakaŋga dzakareɓa, asi rumŋe rwakaŋga rwakapfuʋura rumŋe nokureɓa; rwakaŋga rwakareɓa ndirwo rwakaɓuɗa shure.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ndakatarisa kumusoro, ndokuona hapo pamberi pangu pakanga pane gondohwe raiva nenyanga mbiri, rakamira parutivi rwomugero, uye nyanga dzacho dzakanga dzakareba. Rumwe runyanga rwakanga rwakareba kupfuura rumwe asi ndirwo rwakamera mumashure.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ndakatarisa nameso angu onei hondohwe imire pakadaro apo kumahombekombe kwerwizi. Yaiva nenyanga mbiri, dzose dziri mbiri dzakareba, asi imwe yakanga yakareba kudarika imwe. Ndefu yacho iyi ndiyo yakapedzesera kubuda.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ndikarinzira meso angu, ndikatarira, ndikaona gondohwe rimire pamberi porwizi, rine nyanga mbiri; nyanga mbiri dzakanga dzakareba, asi rumwe rwakanga rwakapfuura rumwe nokureba; rwakanga rwakareba ndirwo rwakabuda shure.
Shona 2009?
Ndikarinzira meso angu, ndikatarira, ndikaona gondobwe rimire pamberi porwizi, rine nyanga mbiri; nyanga dzakanga dzakareba, asi rumwe rwakanga rwakapfuura rumwe nokureba; rwakanga rwakareba ndirwo rwakabuda shure.
Shona SUB 2002 Bible
Ndikaratidza meso angu, ndikatarira, ndikaona gondohwe rimire pamberi porwizi, rine nyanga mbiri; nyanga mbiri dzakanga dzakareba, asi rumwe rwakanga rwakapfuura rumwe nokureba; rwakanga rwakareba ndirwo rwakabuda shure.