Daniel 8:4 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ndikaʋona gondobge ricituŋga kumatiʋi amaʋirazuʋa, nokumsoro, nezasi; hakuneɀipfuwo ɀaigona kuramba ɀimire pamberi paro, ʋuye kwakaŋga kusina‐waigona kurwira pasimba raro; asi rakaita parakaɗa napo, rikaɀikudza.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ndakatarira gondohwe parakanga richitunga rakananga kumavirira nokumusoro nezasi. Hakuna mhuka yaigona kumisidzana naro, uye hakuna aigona kununura kubva pasimba raro. Raiita zvaraida uye rikava guru.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ndakaona hondohwe iya ichirwisa yakananga kumadokero nokuchamhembe nokumaodzanyemba pasina mhuka yaimbofemera kumirisana nayo uye kusina nomumwe aigona kununura chawira mumaoko mayo. Hondohwe iyoyo yaitoita zvainoda zvayo, yaizvitutumadza.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ndikaona gondohwe richitunga kumativi amavirazuva, nokumusoro, nezasi; hakuna zvipfuwo zvaigona kuramba zvimire pamberi paro, uye kwakanga kusina aigona kurwira pasimba raro; asi rakaita parakada napo, rikazvikudza.
Shona 2009?
Ndikaona gondobwe richitunga kumativi amavirazuva, nokumusoro, nezasi, hakuna zvipfuwo zvaigona kuramba zvimire pamberi paro, uye kwakanga kusina aigona kurwira pasimba raro; asi rakaita parakada napo, rikazvikudza.
Shona SUB 2002 Bible
Ndikaona gondohwe richitunga kumativi amavirazuva, nokumusoro, nezasi; hakuna zvipfuwo zvaigona kuramba zvimire pamberi paro, uye kwakanga kusina aigona kurwira pasimba raro; asi rakaita parakada napo, rikazvikudza.