Daniel 8:7 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ndikaʋona icisweɗera pedyo negondobge, hasha dzayo dzikarimutsirwa, ikatuŋga gondobge, ikavuna nyaŋga dzaro mbiri; gondobge rakaŋga risinesimba kumira pamberi payo; asi yakariwisira pasi, ikatsika pamsoro paro, hakuna‐wakagona kurwira gondobge pasimba rayo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ndakaiona ichirwisa gondohwe nehasha kwazvo, ikaritunga ndokuvhuna nyanga dzaro mbiri. Gondohwe rakanga risina simba rokurwisana nayo; nhongo yakariwisira pasi ikaritsika-tsika, uye hakuna akagona kununura gondohwe pasimba rayo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ndakaona roswedera kuhondohwe iya rikabva raishatirirwa kwazvo. Rakadhuma hondohwe iyoyo rikatyora nyanga dzayo mbiri dziya, hondohwe ikashaya simba rokumirisana naro, rikabva ratoiriga pasi rikaitsokodzera pasina nomumwe akagona kununura hondohwe yacho mumaoko maro.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ndikaona ichiswedera pedyo negondohwe, hasha dzayo dzikarimutsirwa, ikatunga gondohwe, ikavhuna nyanga dzaro mbiri; gondohwe rakanga risina simba kumira payo; asi yakariwisira pasi, pamusoro paro, hakuna akagona kurwira gondohwe pasimba rayo.
Shona 2009?
Ndikaona ichiswedera pedo negondobwe, hasha dzayo dzikarimutsirwa, ikatunga gondobwe, ikavhuna nyanga dzaro mbiri; gondobwe rakanga risina simba kumira pamberi payo; asi yakariwisira pasi, pamusoro paro, hakuna akagona kurwira gondobwe pasimba rayo.
Shona SUB 2002 Bible
Ndikaona ichiswedera pedyo negondohwe, hasha dzayo dzikarimutsirwa, ikatunga gondohwe, ikavhuna nyanga dzaro mbiri; gondohwe rakanga risina simba kumira payo; asi yakariwisira pasi, pamusoro paro, hakuna akagona kurwira gondohwe pasimba rayo.