Daniel 9:11 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀirokwaɀo ʋaIsraeri ʋose ʋakaɗarika murairo wenyu, ʋacitsauka, kuti ʋarege kuterera inzwi renyu; nemhaka iyo kutuka kwenyu kwakaɗururirwa pamsoro peɗu, nokupika kwakanyorwa mumurairo waMosesi muranda waMŋari; nokuti takamutadzira.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
VaIsraeri vose vakadarika murayiro wenyu ndokutsauka, vachiramba kukuteererai imi. “Naizvozvo kutukwa nokutonga kwaakapika kwakanyorwa mumurayiro waMozisi, muranda waMwari, zvakadururirwa pamusoro pedu, nokuti takakutadzirai imi.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Isiraeri yose zvayo yakatyora mutemo wenyu ikatsauka ichiramba kuteerera zvaunotaura. Ipapo rushambwa nemhiko zviya zvakanyorwa mumutemo waMosesi muranda waMwari zvakawodzvorerwa patiri pamusana pokuti takakutadzirai.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvirokwazvo vaIsiraeri vose vakadarika murayiro wenyu, vachitsauka, kuti varege kuteerera izwi renyu; nemhaka iyo kutuka kwenyu kwakadururirwa pamusoro pedu, nokupika kwakanyorwa mumurayiro waMosesi muranda waMwari; nokuti takamutadzira.
Shona 2009?
Zvirokwazvo vaIsiraeri vose vakadarika murayiro wenyu, vachitsauka, kuti varege kuteerera izwi renyu; nemhaka iyo kutuka kwenyu kwakadururirwa pamusoro pedu, nokupika kwakanyorwa mumurayiro waMozisi muranda waMwari; nokuti takamutadzira.
Shona SUB 2002 Bible
Zvirokwazvo VaIsiraeri vose vakadarika murairo wenyu, vachitsauka, kuti varege kuteerera izwi renyu; nemhaka iyo kutuka kwenyu kwakadururirwa pamusoro pedu, nokupika kwakanyorwa mumurairo waMosesi muranda waMwari; nokuti takamutadzira.