Daniel 9:13 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Seɀaɀakanyorwa pamurairo waMosesi, ɀakaipa iɀi ɀose ɀakatiwira; kunyaŋge ɀakaɗaro hatina‐kukumbira tsitsi kunaJehova Mŋari weɗu, kuti titsauke paɀakaipa ɀeɗu nokuŋgwarira ɀokwaɗi yenyu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Sezvazvakanyorwa muMurayiro waMozisi, njodzi iyi yose yakawira pamusoro pedu, kunyange zvakadaro hatina kutsvaka nyasha dzaJehovha Mwari wedu nokutendeuka kubva pazvivi zvedu tichiteerera chokwadi chenyu.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Jambwa irori rakatiwira sokunyorwa kwazvakaitwa mumutemo waMosesi. Asi isu hatina kukutetai imi Tenzi, Mwari wedu tichipinduka kuuipi hwedu nokugamuchira chokwadi chenyu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Sezvazvakanyorwa pamurayiro waMosesi, zvakaipa izvi zvose zvakatiwira; kunyange zvakadaro hatina kukumbira tsitsi kuna Jehovha Mwari wedu, kuti titsauke pazvakaipa zvedu nokungwarira chokwadi chenyu.
Shona 2009?
Sezvazvakanyorwa pamurayiro waMozisi, zvakaipa izvi zvose zvakatiwira; kunyange zvakadaro hatina kukumbira tsitsi kuna Jehovha Mwari wedu, kuti titsauke pazvakaipa zvedu nokungwarira chokwadi chenyu.
Shona SUB 2002 Bible
Sezvazvakanyorwa pamurairo waMosesi, zvakaipa izvi zvose zvakatiwira; kunyangwe zvakadaro hatina kukumbira tsitsi kuna Jehovha Mwari wedu, kuti titsauke pazvakaipa zvedu nokungwarira chokwadi chenyu.