Daniel 9:14 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Naiɀoɀo Jehova wakarindira ɀakaipa, akaɀiʋuyisa pamsoro peɗu; nokuti Jehova Mŋari weɗu wakarurama pamaɓasa ake ose aanoita, asi isu hatina‐kuterera inzwi rake.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Jehovha haana kunonoka kuuyisa njodzi pamusoro pedu, nokuti Jehovha Mwari wedu akarurama pazvinhu zvose zvaanoita; asi hatina kumuteerera.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Naizvozvo Tenzi akatichengetera jambwa ndokuriita kuti ritiwire nokuti Tenzi, Mwari wedu akarurama mumabasa ake ose aakaita asi isu hatina kuteerera izwi rake.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Naizvozvo Jehovha akarindira zvakaipa, akazviuyisa pamusoro pedu; nokuti Jehovha Mwari wedu akarurama pamabasa ake ose aanoita, asi isu hatina kuteerera izwi rake.
Shona 2009?
Naizvozvo Jehovha akarindira zvakaipa, akazviuyisa pamusoro pedu; nokuti Jehovha Mwari wedu akarurama pamabasa ake ose aanoita, asi isu hatina kuteerera izwi rake.
Shona SUB 2002 Bible
Naizvozvo Jehovha akarindira zvakaipa, akazviuyisa pamusoro pedu; nokuti Jehovha Mwari wedu akarurama pamabasa ake ose aanoita, asi isu hatina kuteerera izwi rake.