Daniel 9:15 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino imi Ishe Mŋari weɗu, makaɓuɗisa ʋanhu ʋenyu panyika yeEgipita noruʋoko runesimba, mukaɀiwanira mukurumbira, sapazuʋa ranhasi; takatadza, takaita ɀakashata.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Zvino, imi Ishe Mwari wedu, makabudisa vanhu venyu kubva muIjipiti noruoko rune simba uye mukazviitira zita rinogara kusvikira iye nhasi, takatadza, takaita zvakaipa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Saka zvino imi Tenzi Mwari wedu imi makaburitsa vanhu venyu munyika yeIjipiti nesimba roruoko rwenyu mukazviwanira zita sezvazviri nhasi uno, isu takatadza, takaita zvakaipa.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Zvino imi Ishe Mwari wedu, makabudisa vanhu venyu panyika yeIjipiti noruoko rune simba, mukazviwanira mukurumbira, kusvikira pazuva ranhasi; takatadza, takaita zvakashata.
Shona 2009?
"Zvino imwi Ishe Mwari wedu, makabudisa vanhu venyu panyika yeIjipiti noruoko rune simba, mukazviwanira mukurumbira, kusvikira pazuva ranhasi; takatadza, takaita zvakashata.
Shona SUB 2002 Bible
“Zvino imi Ishe Mwari wedu, makabudisa vanhu venyu panyika yeIjipiti noruoko rune simba, mukazviwanira mukurumbira, kusvikira pazuva ranhasi; takatadza, takaita zvakashata.