Daniel 9:18 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Haiwa, Mŋari waŋgu, rerekerai nzeʋe yenyu, munzwe; ȿinudzai meso enyu, muʋone kuparadzwa kweɗu, neguta rakatumidzwa zita renyu; nokuti hatiȿitsi mikumbiro yeɗu pamberi penyu nokuɗa kweɀakarurama ɀeɗu, asi nokuɗa kwenyasha dzenyu huru.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Rerekai nzeve yenyu imi Mwari, uye munzwe; zarurai meso enyu muone kuparadza kweguta rakatumidzwa Zita renyu. Hatikumbiri kwamuri nokuda kwokuti takarurama, asi nokuda kwenyasha dzenyu huru.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Nhai Mwari wangu rerekerai nzeve yenyu munzwe, zarurai maziso enyu muone kuparara kwataita neguta rinodaidzwa nezita renyu. Chatinodariro ndechokuti kunyengetera kwatiri kuita kwamuri kudai hakusi kuti isu takarurama, asi kuti pamusana petsitsi dzenyu dzakawanda.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Aiwa, Mwari wangu, rerekerai nzeve yenyu, munzwe; svinudzai meso enyu, muone kuparadzwa kwedu, neguta rakatumidzwa zita renyu; nokuti hatisvitsi mikumbiro yedu pamberi penyu nokuda kwezvakarurama zvedu, asi nokuda kwenyasha dzenyu huru.
Shona 2009?

Shona SUB 2002 Bible