Daniel 9:20 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino ndakati ndicataura nokunyeŋgetera nokuɀireʋurura ɀiʋi ɀaŋgu neɀiʋi ɀaʋanhu ʋaŋgu ʋaIsraeri, nokuisa kukumbira kwaŋgu pamberi paJehova Mŋari waŋgu pamsoro pegomo dɀene raMŋari waŋgu;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Pandakanga ndichitaura uye ndichinyengetera, ndichireurura zvivi zvangu nezvivi zvavanhu vangu vaIsraeri ndichiisa chikumbiro changu kuna Jehovha Mwari wangu nokuda kwechikomo chake chitsvene,
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Pandainamata ndichitaura kudaro ndichireurura kutadza kwangu nokutadza kwavanhu vokwangu, vaIsiraeri ndichisvitsa kuteterera kwangu pana Tenzi, Mwari wangu ndichinamatira chikomo chinoera chaMwari wangu
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Zvino ndakati ndichitaura nokunyengetera nokuzvireurura zvivi zvangu nezvivi zvavanhu vangu vaIsiraeri, nokuisa kukumbira kwangu pamberi paJehovha Mwari wangu pamusoro pegomo dzvene raMwari wangu;
Shona 2009?
"Zvino ndakati ndichitaura nokunyengetera nokuzvireurura zvivi zvangu nezvivi zvavanhu vangu vaIsiraeri, nokuisa kukumbira kwangu pamberi paJehovha Mwari wangu pamusoro pegomo dzvene raMwari wangu;
Shona SUB 2002 Bible
“Zvino ndakati ndichitaura nokunyengetera nokuzvireurura zvivi zvangu nezvivi zvavanhu vangu VaIsiraeri, nokuisa kukumbira kwangu pamberi paJehovha Mwari wangu pamusoro pegomo dzvene raMwari wangu;