Daniel 9:23 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Cireʋo cakatemŋa, ucaŋgotaŋga kukumbira, ɀino ndaʋuya kuzokuʋudza; nokuti uri murume unoɗikanwa kwaɀo; naiɀoɀo fuŋga shoko iri, unzwisise ɀawakaratidzwa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Pawakangotanga kunyengetera, mhinduro yakabva yapiwa, ndiyo yandauya kuzokuudza, nokuti iwe unokudzwa kwazvo. Naizvozvo rangarira shoko iri uye unzwisise chiratidzo:
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Pakutanga kwawaita kuteterera kwako ndipo pabuda shoko randauya kuzokutaurira nokuti iwe uri wapamwoyo chaiye saka wochirangarira shoko racho unzwisise chiratidzo ichi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Chirevo chakatemwa, uchangotanga kukumbira, zvino ndauya kuzokuudza; nokuti uri murume anodikanwa kwazvo; naizvozvo funga shoko iri, unzwisise zvawakaratidzwa.
Shona 2009?
Chirevo chakatemwa, uchangotanga kukumbira, zvino ndauya kuzokuudza, nokuti uri murume anodikamwa kwazvo; naizvozvo funga shoko iri, unzwisise zvawakaratidzwa.
Shona SUB 2002 Bible
Chirevo chakatemwa, uchangotanga kukumbira, zvino ndauya kuzokuudza; nokuti uri murume anodikanwa kwazvo; naizvozvo funga shoko iri, unzwisise zvawakaratidzwa.