Daniel 9:24 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Viki dzinamakumi manomŋe dzakatemerwa ʋanhu ʋako neguta rako dɀene, kupedzisa kuɗarika nokugumisa ɀiʋi, nokuyananisira ɀakaipa, nokuʋuyisa kururama kusiŋgaperi, nokusimbisa ɀakaratidzwa noʋuprofita, nokuzodza nɀimbo tȿene‐tȿene.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Vhiki makumi manomwe dzakatemerwa vanhu vako uye neguta rako dzvene kuti vapedze kudarika kwavo, varege kutadza, kana kuyanana nezvakaipa, vauye nokururama kusingaperi, kusimbisa chiratidzo nechiprofita nokuzodza iye mutsvene tsvene.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Vanhu vokwako neguta rokwako rinoera makatemerwa makumi manomwe amakore akapetwa kanomwe okuti kukanganisa kupere nokugumisa chitadzo nokuripira uipi nokuunza ururami hunogara nokusingaperi uye nokutsinhira chiratidzo nomuporofita nokuzodza Nzvimbo Inoera.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“ ‘Vhiki dzina makumi manomwe dzakatemerwa vanhu vako neguta rako dzvene, kupedzisa kudarika nokugumisa zvivi, nokuyananisira zvakaipa, nokuuyisa kururama kusingaperi, nokusimbisa zvakaratidzwa nouporofita, nokuzodza nzvimbo tsvene‐tsvene.
Shona 2009?
Vhiki dzinamakumi manomwe dzakatemerwa vanhu vako neguta rako dzvene, kupedzisa kudarika nokugumisa zvivi, nokuyananisira zvakaipa, nokuuyisa kururama kusingaperi, nokusimbisa zvakaratidzwa nouporofita, nokuzodza nzvimbo tsvene-tsvene.
Shona SUB 2002 Bible
“ ‘Vhiki dzina makumi manomwe dzakatemerwa vanhu vako neguta rako dzvene, kupedzisa kudarika nokugumisa zvivi, nokuyananisira zvakaipa, nokuuyisa kururama kusingaperi, nokusimbisa zvakaratidzwa nouporofita, nokuzodza nzvimbo tsvene–tsvene.