Daniel 9:25 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Naiɀoɀo ciziʋa unzwisise, kuti kubva pakutemŋa kwomurairo wokuʋandudza nokuʋaka Jerusarema kuȿikira kunowakazodzwa, iye mucinda, ɀicaita viki nomŋe; ʋuye viki dzinamakumi matanhatu nembiri dzicaʋa’po dzokuʋakwa kwaro, rinenɀimbo mhamhi nemigero, asi ɀicaitwa neŋguʋa yokutambudzika.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Uzive uye unzwisise izvi: Kubva pakupiwa kwechirevo chokuvandudza nokuvaka Jerusarema kusvikira Muzodziwa, iye mutongi, auya, kuchava nevhiki nomwe uye vhiki makumi matanhatu nembiri. Richavakwa rine migwagwa uye nomugero, asi munguva dzokutambudzika.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Saka wochiziva unyatsonzwisisa kuti kubvira panotaurwa shoko rokugadzirisa nokuvakazve Jerusaremu kusvikira panouya muzodzwa, muchinda, pachaita masvondo manomwe. Richavakwa kwamasvondo makumi matanhatu nemaviri richivakwa patsva namabwe nenhandare nemigero yacho asi muchange muri munguva yenhamo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Naizvozvo chiziva unzwisise, kuti kubva pakutemwa kwomurayiro wokuvandudza nokuvaka Jerusaremu kusvikira kune wakazodzwa, iye muchinda, zvichaita vhiki nomwe; uye vhiki dzina makumi matanhatu nembiri dzichavapo dzokuvakwa kwaro, rine misika nemigwagwa, asi zvichaitwa nenguva yokutambudzika.
Shona 2009?
Naizvozvo chiziva unzwisise, kuti kubva pakutemwa komurayiro wokuvandudza nokuvaka Jerusaremu kusvikira kune wakazodzwa, iye muchinda, zvichaita vhiki nomwe; uye vhiki dzina makumi matanhatu nembiri dzichavapo dzokuvakwa kwaro, rine misika nemigwagwa, asi zvichaitwa nenguva yokutambudzika.
Shona SUB 2002 Bible
Naizvozvo chiziva unzwisise, kuti kubva pakutemwa kwomurairo wokuvandudza nokuvaka Jerusaremu kusvikira kune wakazodzwa, iye muchinda, zvichaita vhiki nomwe; uye vhiki dzina makumi matanhatu nembiri dzichavapo dzokuvakwa kwaro, rine misika nemigwagwa, asi zvichaitwa nenguva yokutambudzika.