Daniel 9:26 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino kana viki idzo dzinamakumi matanhatu nembiri dzapera, wakazodzwa ucabviswa, akasara asinecinhu; ʋanhu ʋomucinda, unozoʋuya, ʋacaparadza guta nenɀimbo tȿene; asi kuguma kwaɀo kucaʋuya nokukukurwa, kurwa kucaʋa’po kuȿikira pakuguma; kuparadzwa kwakatemŋa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Shure kwevhiki makumi matanhatu nembiri, Muzodziwa achagurwa uya achashaya chinhu. Vanhu vomutongi vachasvika ndokuparadza guta nenzvimbo tsvene. Kuguma kuchauya sokudira kwemvura. Hondo icharamba iripo kusvikira kumagumo, uye kuparadzwa kwakatemwa kare.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mushure memasvondo makumi matanhatu namaviri muzodzwa achagurwa pake pachimuperera. Ipapo vanhu vomuchinda achauya vachaparadza guta neNzvimbo Inoera. Kuguma kwacho kuchauya samafashamo iri hondo chete kusvikira kumagumo, zvokuparara zvakatotemwa.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino kana vhiki idzo dzina makumi matanhatu nembiri dzapera, akazodzwa achabviswa, akasara asina chinhu; vanhu vomuchinda, anozouya, vachaparadza guta nenzvimbo tsvene; asi kuguma kwazvo kuchauya nokukukurwa, kurwa kuchavapo nokuparadzwa kwakatema, kusvikira pakuguma.’
Shona 2009?
Zvino kana vhiki idzo dzina makumi matanhatu nembiri dzapera, akazodzwa achabviswa, akasara asina chinhu; vanhu vomuchinda, anozouya, vachaparadza guta nenzvimbo tsvene; asi kuguma kwazvo kuchauya nokukukurwa, kurwa kuchavapo nokuparadzwa kwakatemwa, kusvikira pakuguma.'
Shona SUB 2002 Bible
Zvino kana vhiki idzo dzina makumi matanhatu nembiri dzapera, akazodzwa achabviswa, akasara asina chinhu; vanhu vomuchinda, anozouya, vachaparadza guta nenzvimbo tsvene; asi kuguma kwazvo kuchauya nokukukurwa, kurwa kuchavapo nokuparadzwa kwakatema, kusvikira pakuguma.’