Daniel 9:4 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ndikanyeŋgetera kunaJehova Mŋari waŋgu, ndikaɀireʋurura ɀiʋi, ndikati: Haiwa, Ishe, Mŋari mukuru unotyisa, unosimbisa suŋgano yake nenyasha dzake kunaʋanomuɗa, ʋanoceŋgeta mirairo yake,
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ndakanyengetera kuna Jehovha Mwari wangu ndikareurura ndichiti, “Haiwa Ishe, Mwari mukuru anotyisa, iye anochengeta sungano yake yorudo navose vanomuda uye vanoteerera mirayiro yake,
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ndakanamata kuna Tenzi, Mwari wangu ndichireurura ndichiti: “Imi Tenzi, Mwari mukurukuru anotyisa anochengeta chitenderano achiitira mwoyochena kuvanhu vanomuda vanochengeta mitemo yake;
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ndikanyengetera kuna Jehovha Mwari wangu, ndikareurura zvivi, ndikati, ‘Aiwa, Ishe, Mwari mukuru anotyisa, anosimbisa sungano yake nenyasha dzake kuna vanomuda, vanochengeta mirayiro yake,
Shona 2009?
Ndikanyengetera kuna Jehovha Mwari wangu, ndikareurura zvivi, ndikati, `Aiwa, Ishe, Mwari mukuru anotyisa, anosimbisa sungano yake nenyasha dzake kuna vanomuda, vanochengeta mirayiro yake,
Shona SUB 2002 Bible
Ndikanyengetera kuna Jehovha Mwari wangu, ndikareurura zvivi, ndikati, ‘Aiwa, Ishe, Mwari mukuru anotyisa, anosimbisa sungano yake nenyasha dzake kuna vanomuda, vanochengeta mirairo yake,