Deuteronomy 1:17 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Musatsaura ʋanhu pakutoŋga kwenyu; munofanira kuterera muɗuku nomukuru nomutoʋo mumŋe; musatya munhu; nokuti kutoŋga ndokwaMŋari; asi kana kunemhaka yamusiŋgagoni, muʋuye nayo kwandiri kuti ndiinzwe.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Musaita rusarura pakutonga; inzwai vose muduku kana mukuru zvakaenzanirana. Musatya munhu upi zvake, nokuti kutonga ndokwaMwari. Uyisai kwandiri mhaka yakanyanya kukuomerai, ndigoinzwa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Musaite chizivano pakutonga. Teererai mhosva yomudiki kana yomukuru zvimwechetezvo. Musanyare munhu uso nokuti kutonga ndokwaMwari. Asi kana kuine mhosva yakaoma yamusingakwanisi kutonga uyai nayo kwandiri ndiinzwe.’
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Musatsaura vanhu pakutonga kwenyu; munofanira kuterera muduku nomukuru nomutoo mumwe; musatya munhu; nokuti kutonga ndokwa Mwari; asi kana kune mhaka yamusingagoni, muuye nayo kwandiri kuti ndiinzwe.’
Shona 2009?
Musatsaura vanhu pakutonga kwenyu; munofanira kuteerera muduku nomukuru nomutoo mumwe; musatya munhu; nokuti kutonga ndokwa Mwari; asi kana kune mhaka yamusingagoni, muuye nayo kwandiri kuti ndiinzwe.'
Shona SUB 2002 Bible
Musatsaura vanhu pakutonga kwenyu; munofanira kuteerera muduku nomukuru nomutoo mumwe; musatya munhu; nokuti kutonga ndokwa Mwari; asi kana kune mhaka yamusingagoni, muuye nayo kwandiri kuti ndiinzwe.’