Deuteronomy 1:19 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino takasimuka paHorebi, tikafamba murenje iro rose guru rinotyisa, ramakaʋona panzira yokumakomo aʋaAmori, seɀatakarairwa naJehova Mŋari weɗu; tikaȿika paKadeshi‐barnea.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo takasimuka kubva paHorebhu tikafamba takananga kunyika yamakomo yavaAmori tikapfuura nomurenje iro rose guru rinotyisa ramakaona, uye tikasvika paKadheshi Bharinea, sezvatakarayirwa naJehovha Mwari wedu.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Takasimuka tichibva paHorebhu tikapfuura nomuzigwenga guru rinotyisa riya ramakaona munzira yokumakomo omunyika yavaAmori sokurayirwa kwatakaitwa naTenzi Mwari wedu. Takazosvika kuKadheshibharinea.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Zvino takasimuka paHorebhu, tikafamba murenje iro rose guru rinotyisa, ramakaona panzira yokumakomo avaAmori, sezvatakarairwa naJehovha Mwari wedu; tikasvika paKadheshi-bharinea.
Shona 2009?
"Zvino takasimuka paHorebhu, tikafamba murenje iro rose guru rinotyisa, ramakaona panzira yokumakomo avaAmori, sezvatakarairwa naJehovha Mwari wedu; tikasvika paKadheshi-bharinea.
Shona SUB 2002 Bible
“Zvino takasimuka paHorebhu, tikafamba murenje iro rose guru rinotyisa, ramakaona panzira yokumakomo aVaAmori, sezvatakarairwa naJehovha Mwari wedu; tikasvika paKadheshi–bhania.