Deuteronomy 1:25 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋakatora mimŋe micero yenyika mumaʋoko aʋo, ʋakaɓurukira kwatiri nayo, ʋakadzoka neshoko kwatiri, ʋakati: Inyika yakanaka, yatinopiwa naJehova Mŋari weɗu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vakatora mimwe yemichero yenyika iyoyo, vakauya nayo kwatiri, vakati, “Inyika yakanaka yatiri kupiwa naJehovha Mwari wedu.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vakadzoka vakabata mumaoko mimwe michero yenyika iyoyo yavakativigira. Vakatiunzirawo shoko rokuti, ‘Nyika yatiri kupiwa naTenzi Mwari wedu yakanaka.’
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Vakatora mimwe michero yenyika mumaoko avo, vakaburukira kwatiri nayo, vakadzoka neshoko kwatiri, vakati, ‘Inyika yakanaka, yatinopiwa naJehovha Mwari wedu.’
Shona 2009?
Vakatora mimwe michero yenyika mumaoko avo, vakaburukira kwatiri nayo, vakadzoka neshoko kwatiri, vakati, Inyika yakanaka, yatinopiwa naJehovha Mwari wedu.'
Shona SUB 2002 Bible
Vakatora mimwe michero yenyika mumaoko avo, vakaburukira kwatiri nayo, vakadzoka neshoko kwatiri, vakati, ‘Inyika yakanaka, yatinopiwa naJehovha Mwari wedu.’