Deuteronomy 1:33 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
iye wakakutuŋgamirirai panzira, kuti akutȿakirei pamuŋgadzika matente enyu, nomŋoto ʋusiku, kuti akuratidzei nzira yamunofanira kufamba nayo, ʋuye negore masikati.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
iye akakutungamirirai parwendo rwenyu, uye mugore pamasikati kuti akutsvagirei nzvimbo dzokudzika matende enyu uye kuti akuratidzei nzira yamunofanira kufamba nayo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Murwendo rwenyu ndiye aifanotungamira kundokutsvakirai pokudzika matendhe enyu achikutungamirirai nzira yokuenda nayo usiku nomoto, masikati negore.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
iye wakakutungamirirai panzira, kuti akutsvakirei pamungadzika matende enyu, nomoto usiku, kuti akuratidzei nzira yamunofanira kufamba nayo, uye negore masikati.
Shona 2009?
iye wakakutungamirirai panzira, kuti akutsvakirei pamungadzika matende enyu, nomoto usiku, kuti akuratidzei nzira yamunofanira kufamba nayo, uye negore masikati.
Shona SUB 2002 Bible
iye wakakutungamirirai panzira, kuti akutsvakirei pamungadzika matende enyu, nomoto usiku, kuti akuratidzei nzira yamunofanira kufamba nayo, uye negore masikati.