Deuteronomy 1:41 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino imi mukapindura, mukati kwandiri: Takatadzira Jehova, ticakwira heɗu tindorwa, ɀose seɀatakarairwa naJehova Mŋari weɗu. Mukashoŋga mumŋe nomumŋe nhumbi dzake dzokurwa nadzo, mukaɗa kukwira mugomo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo imi makapindura mukati, “Takatadzira Jehovha. Tichaenda tigondorwa, sezvatakarayirwa naJehovha Mwari wedu.” Nokudaro makashonga mumwe nomumwe nhumbi dzokurwa, muchifunga kuti zvaiva nyore kukwira kunyika yamakomo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Imi makandipindura muchiti, ‘Tatadzira Tenzi. Zvino tava kuenda zvedu kundorwa sokuudzwa kwatakaitwa naTenzi Mwari wedu.’ Ipapo mumwe nomumwe wenyu akapakata zvombo zvake, muchitofunga zvenyu kuti inyore kukwira kunyika yamakomo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino imi mukapindura, mukati kwandiri, ‘Takatadzira Jehovha, tichakwira hedu tindorwa, zvose sezvatakarairwa naJehovha Mwari wedu.’ Mukashonga mumwe nomumwe nhumbi dzake dzokurwa nadzo, mukada kukwira mugomo.
Shona 2009?
Zvino imwi mukapindura, mukati kwandiri, `Takatadzira Jehovha, tichakwira hedu tindorwa, zvose sezvatakarairwa naJehovha Mwari wedu.' Mukashonga mumwe nomumwe nhumbi dzake dzokurwa nadzo, mukada kukwira mugomo.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino imi mukapindura, mukati kwandiri, ‘Takatadzira Jehovha, tichakwira hedu tindorwa, zvose sezvatakarairwa naJehovha Mwari wedu.’ Mukashonga mumwe nomumwe nhumbi dzake dzokurwa nadzo, mukada kukwira mugomo.