Deuteronomy 1:43 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Naiɀoɀo ndakataura nemi, asi makaramba kunditerera; asi makamukira murairo waJehova, mukaita manyawi, mukakwira mugomo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Naizvozvo ndakakutaurirai, asi imi hamuna kuda kuteerera. Makamukira murayiro waJehovha uye mukuzvikudza kwenyu makafamba mukapinda munyika yamakomo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ndakakuudzai asi makaramba kunzwa. Makatoita zvenyu zvakapesana nezvavakaudzwa naTenzi, mukaita zvokuzvikudza muchienda kunyika yokumakomo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Naizvozvo ndakataura nemi, asi makaramba kunditerera; asi makamukira murayiro waJehovha, mukaita manyawi, mukakwira mugomo.
Shona 2009?
Naizvozvo ndakataura nemi, asi makaramba kunditeerera; asi makamukira murayiro waJehovha, mukaita manyawi, mukakwira mugomo.
Shona SUB 2002 Bible
Naizvozvo ndakataura nemi, asi makaramba kunditeerera; asi makamukira murairo waJehovha, mukaita manyawi, mukakwira mugomo.