Deuteronomy 10:12 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino, Israeri, Jehova Mŋari wako unotȿakeiko kwauri, asi kuti utye Jehova Mŋari wako, ufambe munzira dzake dzose, nokumuɗa, nokushumira Jehova Mŋari wako nomŋoyo wako wose ʋuye nomŋeya wako wose,
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvino, iwe Israeri, Jehovha Mwari wako anodeiko kwauri kunze kwokuti utye Jehovha Mwari wako, nokufamba munzira dzake dzose, nokumuda, nokushumira Jehovha Mwari wako nomwoyo wako wose nomweya wako wose,
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Zvino nhai Isiraeri, Tenzi anoda kuti uiteiko? Anoda kuti utye Tenzi Mwari wako, ufambe nomunzira dzake dzose, umude. Ushandire Tenzi Mwari wako nomwoyo wako wose, nomweya wako wose.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Zvino, Isiraeri, Jehovha Mwari wako unotsvakeiko kwauri, asi kuti utye Jehovha Mwari wako, ufambe munzira dzake dzose, nokumuda, nomwoyo wako wose uye nomweya wako wose,
Shona 2009?
"Zvino, Isiraeri, Jehovha Mwari wako unotsvakeiko kwauri, asi kuti utye Jehovha Mwari wako, ufambe munzira dzake dzose, nokumuda, nomoyo wako wose uye nomweya wako wose,
Shona SUB 2002 Bible
“Zvino, Isiraeri, Jehovha Mwari wako unotsvakeiko kwauri, asi kuti utye Jehovha Mwari wako, ufambe munzira dzake dzose, nokumuda, nomwoyo wako wose uye nomweya wako wose,