Deuteronomy 10:15 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asi Jehova wakafarira madziɓaɓa ako, akaʋaɗa, akatsaura ʋana ʋaʋo ʋanoʋateʋera, iyemi, kupfuʋura ndudzi dzose, se ɀaunoʋona nhasi.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Kunyange zvakadaro Jehovha akafarira madzitateguru enyu akavada uye akakutsaurai, vana vavo, pamusoro pedzimwe ndudzi dzose sezvazviri nhasi.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asi Tenzi Mwari wako akafadzwa namadzitateguru ako, akavada. Akazosarudza imi vana vavo mukati memarudzi ose avanhu sezvazviri nhasi uno.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Asi Jehovha wakafarira madzibaba ako, akavada, akatsaura vana vavo vanovatevera, iyemi, kupfuura ndudzi dzose, sezvaunoona nhasi.
Shona 2009?
Asi Jehovha wakafarira madzibaba ako, akavada, akatsaura vana vavo vanovatevera, iyemi, kupfuura ndudzi dzose, sezvaunoona nhasi.
Shona SUB 2002 Bible
Asi Jehovha akafarira madzibaba ako, akavada, akatsaura vana vavo vanovatevera, iyemi, kupfuura ndudzi dzose, sezvaunoona nhasi.