Deuteronomy 11:1 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Naiɀoɀo unofanira kuɗa Jehova Mŋari wako, nokuceŋgeta ŋguʋa dzose murairo wake, neɀaakatema, neɀaakatoŋga, neɀaakaraira.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Idai Jehovha Mwari wenyu uye muchengete zvaakatema, mitemo yake, nemirayiro yake uye nezvaakarayira, nguva dzose.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Naizvozvo ida Tenzi, Mwari wako, uteerere zvaakatema, uteerere zvirevo zvake, nemitemo yake, nemirao yake misi yose.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Naizvozvo unofanira kuda Jehovha Mwari wako, nokuchengeta nguva dzose murayiro wake, nezvaakatema, nezvaakatonga, nezvaakaraira.
Shona 2009?
"Naizvozvo unofanira kuda Jehovha Mwari wako, nokuchengeta nguva dzose murayiro wake, nezvaakatema, nezvaakatonga, nezvaakaraira.
Shona SUB 2002 Bible
“Naizvozvo unofanira kuda Jehovha Mwari wako, nokuchengeta nguva dzose murairo wake, nezvaakatema, nezvaakatonga, nezvaakaraira.