Deuteronomy 11:22 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti kana mukaceŋgeta ɀakanaka murairo uyu wose wandinokurairai, kuti muuite; mukaɗa Jehova Mŋari wenyu, nokufamba nenzira dzake dzose, nokumunamatira;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Kana mukachenjerera kuchengeta mirayiro yangu iyi yandinokupai kuti mutevere, kuti mude Jehovha Mwari wenyu, kuti mufambe munzira dzake dzose nokubatirira paari,
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Mukanyatsoteerera mitemo yose iyi yandiri kukupai, mukaichengeta, mukada Tenzi Mwari wenyu nokufamba munzira dzake, nokuramba makangoti kwati kwati naye,
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Nokuti kana mukachengeta zvakanaka murayiro uyu wose wandinokurairai, kuti muuite; mukada Jehovha Mwari wenyu, nokufamba nenzira dzake dzose, nokumunamatira;
Shona 2009?
"Nokuti kana mukachengeta zvakanaka murayiro uyu wose wandinokurairai, kuti muuite; mukada Jehovha Mwari wenyu, nokufamba nenzira dzake dzose, nokumunamatira;
Shona SUB 2002 Bible
“Nokuti kana mukachengeta zvakanaka murairo uyu wose wandinokurairai, kuti muuite; mukada Jehovha Mwari wenyu, nokufamba nenzira dzake dzose, nokumunamatira;