Deuteronomy 11:6 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
neɀaakaitira Datani naAbirami, ʋanakomana ʋaEriabi, mŋanakomana waRubeni; namashamisire akaita nyika muromo wayo, ikaʋamedza, iʋo naʋedzimba dzaʋo, namatente aʋo, neɀipenyu ɀaʋo ɀose ɀakaŋga ɀiciʋateʋera, pakati paʋaIsraeri ʋose.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
uye nezvaakaita kuna Dhatani naAbhiramu vanakomana vaEriabhu muRubheni, apo nyika yakashamisa muromo wayo ikavamedza ivo nevedzimba dzavo, namatende avo nezvipenyu zvose zvakanga zviri zvavo, pakati pavaIsraeri vose.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
nezviya zvakaitwa pakati pavaIsiraeri kuna Dhatani naAbhiramu vanakomana vaEriabhu, wedzinza raRubheni. Munozivawo mubamukiro wakaita nyika, ikashama muromo wayo, ikavamedza ivo nemhuri dzavo, namatendhe avo, nezvipfuwo zvavo zvose zvavaiva nazvo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
nezvaakaitira Dhatani naAbhiramu, vanakomana vaEriabhu, mwanakomana waRubheni; namashamisire akaita nyika muromo wayo, ikavamedza, ivo navedzimba dzavo, namatende avo, nezvipenyu zvavo zvose zvakanga zvichivatevera, pakati pavaIsiraeri vose.
Shona 2009?
nezvaakaitira Dhatani naAbhiramu, vanakomana vaEriabhu, mwanakomana waRubheni; namashamisire akaita nyika muromo wayo, ikavamedza, ivo navedzimba dzavo, namatende avo, nezvipenyu zvavo zvose zvakanga zvichivatevera, pakati pavalsiraeri vose.
Shona SUB 2002 Bible
nezvaakaitira Dhatani naAbhiramu, vanakomana vaEriabhu, mwanakomana waRubheni; namashamisire akaita nyika muromo wayo, ikavamedza, ivo navedzimba dzavo, namatende avo, nezvipenyu zvavo zvose zvakanga zvichivatevera, pakati paVaIsiraeri vose.