Deuteronomy 12:11 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
ɀino kunɀimbo yakatsaurwa naJehova, kuti aise zita rake’po, ndiko kwamunofanira kuʋuya neɀose ɀandinokurairai, ɀinoti: ɀipiriso ɀenyu ɀinopiswa, neɀiɓayiro ɀenyu, neɀegumi ɀenyu, neɀipiriso ɀakatsaurwa namaʋoko enyu, neɀipikiso ɀenyu ɀakaiȿo‐naka ɀamunopikira Jehova;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvino kunzvimbo ichatsaurwa naJehovha Mwari wenyu kuti Zita rake rigarepo, ipapo munofanira kuuyisa zvose zvandakakurayirai zvinoti: zvipiriso zvenyu zvinopiswa nezvibayiro, zvegumi zvenyu nezvipo zvakatsaurwa, uye zvinhu zvose zvakaisvonaka zvamakapikira kuna Jehovha.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
munofanira kuunza zvose zvandiri kukurayirai kunzvimbo imwechete ichasarudzwa naTenzi Mwari wenyu kuisa zita rake pairi. Ndiko kwamuchaunza mipiro yokupisa nezvibayiro nemipiro yezvegumi nezvimwe zvipo zvamunopira, nemipiro yamunenge makambotsidzira kupa kuna Tenzi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
zvino kunzvimbo yakatsaurwa naJehovha, kuti aise zita rakepo, ndiko kwamunofanira kuuya nezvose zvandinokurairai, zvinoti: zvipiriso zvenyu zvinopiswa, nezvibayiro zvenyu, nezvegumi zvenyu, nezvipiriso zvakatsaurwa namaoko enyu, nezvipikiso zvenyu zvakaisvonaka zvamunopikira Jehovha;
Shona 2009?
Zvino kunzvimbo yakatsaurwa naJehovha, kuti aise zita rakepo, ndiko kwamunofanira kuuya nezvose zvandinokurairai, zvinoti: zvipiriso zvenyu zvinopiswa, nezvibayiro zvenyu, nezvegumi zvenyu, nezvipiriso zvakatsaurwa namaoko enyu, nezvipikiso zvenyu zvakaisvonaka zvamunopikira Jehovha;
Shona SUB 2002 Bible
zvino kunzvimbo yakatsaurwa naJehovha, kuti aise zita rakepo, ndiko kwamunofanira kuuya nezvose zvandinokurairai, zvinoti: zvipiriso zvenyu zvinopiswa, nezvibairo zvenyu, nezvegumi zvenyu, nezvipiriso zvakatsaurwa namaoko enyu, nezvipikiso zvenyu zvakaisvonaka zvamunopikira Jehovha;