Deuteronomy 12:15 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asi uŋgaɓaya hako nokudya hako nyama mukati mamasuʋo ako ose, seɀinoɗa mŋoyo wako, ʋuye seɀawakaropafadzwa naJehova Mŋari wako; usina‐kunaka nowakanaka ʋose ʋaŋgaidya, se ɀinoitwa nenyama yemhara nenondo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvisinei hazvo, mungabaya henyu zvipfuwo zvenyu mumaguta enyu uye mugodya nyama pamunodira, sokunge nyama yemhara kana yenondo maererano nokuropafadzwa kwamunopiwa naJehovha Mwari wenyu. Vose vasina kuchena navakachena vangadya havo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Asi baya zvako nyama udyire chero muguta rako ripi zvaro sokuda kwako, sokukomborerwa kwaunenge waitwa naTenzi Mwari wako. Inogona kudyiwa zvayo nomunhu anenge an'ora neasina kun'ora sezvamunongoitawo nemhara nemhembwe.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Asi ungabaya hako nokudya hako nyama mukati mamasuo ako ose, sezvinoda mwoyo wako, uye sezvawakaropafadzwa naJehovha Mwari wako; usina kunaka nowakanaka vose vangaidya, sezvinoitwa nenyama yemhara nenondo.
Shona 2009?
"Asi ungabaya hako nokudya hako nyama mukati mamasuo ako ose, sezvinoda moyo wako, uye sezvawakaropafadzwa naJehovha Mwari wako; usina kunaka nowakanaka vose vangaidya, sezvinoitwa nenyama yemhara nenondo.
Shona SUB 2002 Bible
“Asi ungabaya hako nokudya hako nyama mukati mamasuwo ako ose, sezvinoda mwoyo wako, uye sezvawakaropafadzwa naJehovha Mwari wako; usina kunaka nowakanaka vose vangaidya, sezvinoitwa nenyama yemhara nenondo.