Deuteronomy 12:18 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
asi unofanira kuɀidya pamberi paJehova Mŋari wako panɀimbo icatsaurwa naJehova Mŋari wako, iwe, naʋanakomana ʋako naʋanasikana ʋako, naʋaranda ʋako naʋarandakadzi ʋako, nomuRevi uri mukati mamasuʋo ako; unofanira kufara pamberi paJehova Mŋari wako paɀose ɀaunoɓata namaʋoko ako.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi, munofanira kuti muzvidye muri pamberi paJehovha Mwari wenyu panzvimbo iyo Jehovha Mwari wenyu achasarudza imi, vanakomana venyu navanasikana venyu, varandarume navarandakadzi venyu, navaRevhi vari mumaguta enyu uye munofanira kupembera pamberi paJehovha Mwari wenyu pamusoro pezvinhu zvose zvamuchabata namaoko enyu.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asi zvidyire pana Tenzi Mwari wako, iwe navana vako vakomana navasikana, navaranda vako vechikadzi nevechirume nevaRevhi vanenge vagere mumaguta ako, mufare muchipembera nebasa ramaoko enyu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
asi unofanira kuzvidya pamberi paJehovha Mwari wako panzvimbo ichatsaurwa naJehovha Mwari wako, iwe, navanakomana vako navanasikana vako, navaranda vako navarandakadzi vako, nomuRevhi uri mukati mamasuo ako; unofanira kufara pamberi paJehovha Mwari wako pazvose zvaunobata namaoko ako.
Shona 2009?
asi unofanira kuzvidya pamberi paJehovha Mwari wako panzvimbo ichatsaurwa naJehovha Mwari wako, iwe, navanakomana vako navanasikana vako, navaranda vako navarandakadzi vako, nomuRevhi uri mukati mamasuo ako; unofanira kufara pamberi paJehovha Mwari wako pazvose zvaunobata namaoko ako.
Shona SUB 2002 Bible
asi unofanira kuzvidya pamberi paJehovha Mwari wako panzvimbo ichatsaurwa naJehovha Mwari wako, iwe, navanakomana vako navanasikana vako, navaranda vako navarandakadzi vako, nomuRevhi uri mukati mamasuwo ako; unofanira kufara pamberi paJehovha Mwari wako pazvose zvaunobata namaoko ako.