Deuteronomy 12:20 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino kana Jehova Mŋari wako akurisa nyika yako, seɀaakakupikira, iwe ukati: Ndicadya nyama, nokuti mŋoyo wako unoɗa kudya nyama, uŋgadya hako nyama, seɀinoɗa mŋoyo wako.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Kana Jehovha Mwari wako achinge akurisa nyika yako sezvaakakuvimbisa, uye iwe ukapanga nyama ukati, “Ndinoda nyama,” ipapo uchadya nyama yakawanda sezvaunoda.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Kana Tenzi Mwari wako achinge azokudza-kudza nyika yaari kukupa sokukuvimbisa kwaakaita, ukazoti, ‘Ndava kuda nyama,’ wava nenhomba yenyama, idya zvako nyama yaunoda.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Zvino kana Jehovha Mwari wako akurisa nyika yako, sezvaakakupikira, iwe ukati, ‘Ndichadya nyama,’ nokuti mwoyo wako unoda kudya nyama, ungadya hako nyama, sezvinoda mwoyo wako.
Shona 2009?
"Zvino kana Jehovha Mwari wako akurisa nyika yako, sezvaakakupikira, iwe ukati, `Ndichadya nyama,' nokuti moyo wako unoda kudya nyama, ungadya hako nyama, sezvinoda moyo wako.
Shona SUB 2002 Bible
“Zvino kana Jehovha Mwari wako akurisa nyika yako, sezvaakakupikira, iwe ukati, ‘Ndichadya nyama,’ nokuti mwoyo wako unoda kudya nyama, ungadya hako nyama, sezvinoda mwoyo wako.