Deuteronomy 12:21 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Kana nɀimbo yakatsaurwa naJehova, kuti aise zita rake’po, iri kure newe, unofanira kuɓaya ɀimŋe ɀeŋombe dzako, kana ɀamakwai ako, ɀawakapiwa naJehova, seɀandakakuraira, ugoɀidya mukati mamasuʋo ako, seɀinoɗa mŋoyo wako.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Kana nzvimbo iyo inosarudzwa naJehovha Mwari wako kuti aise Zita rakepo iri kure newe zvikuru, ungabaya hako zvipfuwo kubva pamombe dzako namakwai ako zvawakapiwa naJehovha, sezvandakurayira, mumaguta ako ungadya nyama yakawanda sezvaunoda.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Kana nzvimbo ichasarudzwa naTenzi Mwari wako kuti zita rake rinamatirwe ipapo iri kure newe, ungabaye zvako mombe kana chimwe chipfuwo chako chawakapiwa naTenzi, asi zviite sokurayira kwandakakuita. Idye hako napaunodira mumaguta ako.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Kana nzvimbo yakatsaurwa naJehovha, kuti aise zita rakepo, iri kure newe, unofanira kubaya zvimwe zvemombe dzako, kana zvamakwai ako, zvawakapiwa naJehovha, sezvandakakuraira, ugozvidya mukati mamasuo ako, sezvinoda mwoyo wako.
Shona 2009?
Kana nzvimbo yakatsaurwa naJehovha, kuti aise zita rakepo, iri kure newe, unofanira kubaya zvimwe zvemombe dzako, kana zvamakwai ako, zvawakapiwa naJehovha, sezvandakakuraira, ugozvidya mukati mamasuo ako, sezvinoda moyo wako.
Shona SUB 2002 Bible
Kana nzvimbo yakatsaurwa naJehovha, kuti aise zita rakepo, iri kure newe, unofanira kubaya zvimwe zvemombe dzako, kana zvamakwai ako, zvawakapiwa naJehovha, sezvandakakuraira, ugozvidya mukati mamasuwo ako, sezvinoda mwoyo wako.