Deuteronomy 12:28 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Terera unzwe ɀakanaka mashoko awa andinokuraira, kuti ɀive ɀakanaka newe, iwe, naʋana ʋako ʋanokuteʋera nokusiŋgaperi, kana uciita ɀakanaka neɀakarurama pamberi paJehova Mŋari wako.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Uchenjerere kuteerera mitemo yose yandinokupa, kuti zvive zvakakunakira nguva dzose iwe navana vako vachatevera mushure mako, nokuti unenge uchiita zvakanaka uye zvakarurama pamberi paJehovha Mwari wako.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Nyatsoteerera mitemo yandiri kukupa kuti zvizokunakira iwe nezvizvarwa zvako nokusingaperi nokuti unenge uchiita zvakanaka, zvinofadza Tenzi Mwari wako.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Terera unzwe zvakanaka mashoko awa andinokuraira, kuti zvive zvakanaka newe, iwe, navana vako vanokutevera nokusingaperi, kana uchiita zvakanaka nezvakarurama pamberi paJehovha Mwari wako.
Shona 2009?
teerera unzwe zvakanaka mashoko awa andinokuraira, kuti zvive zvakanaka newe, iwe,navana vako vanokutevera nokusingaperi, kana uchiita zvakanaka nezvakarurama pamberi paJehovha Mwari wako.
Shona SUB 2002 Bible
Teerera unzwe zvakanaka mashoko awa andinokuraira, kuti zvive zvakanaka newe, iwe, navana vako vanokutevera nokusingaperi, kana uchiita zvakanaka nezvakarurama pamberi paJehovha Mwari wako.