Deuteronomy 12:31 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Usaitira Jehova Mŋari wako saiɀoɀo; nokuti iʋo ʋakaitira ʋamŋari ʋaʋo ɀose ɀinonyaŋgadza Jehova, neɀaanoʋeŋga; nokuti kunyaŋge ʋanakomana ʋaʋo naʋanasikana ʋaʋo ʋanoʋapisira ʋamŋari ʋaʋo pamŋoto.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Hamufaniri kushumira Jehovha Mwari wenyu nenzira yavo, nokuti mukushumira vamwari vavo, vanoita zvinhu zvose zvose zvinonyangadza zvinovengwa naJehovha. Vanopisa kunyangwe vanakomana navanasikana vavo mumoto sezvibayiro kuna vamwari vavo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Usaite zvakadaro kuna Tenzi Mwari wako nokuti ivo vanoita kuna vamwari vavo zvisingadiwi naTenzi, nezvaanovenga. Vanotopisa mumoto kunyange vana vavo vakomana navasikana vachivapira kuna vamwari vavo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Usaitira Jehovha Mwari wako saizvozvo; nokuti ivo vakaitira vamwari vavo zvose zvinonyangadza Jehovha, nezvaanovenga; nokuti kunyange vanakomana vavo navanasikana vavo vanovapisira vamwari vavo pamoto.
Shona 2009?
Usaitira Jehovha Mwari wako saizvozvo; nokuti ivo vakaitira vamwari vavo zvose zvinonyangadza Jehovha, nezvaanovenga; nokuti kunyange vanakomana vavo navanasikana vavo vanovapisira vamwari vavo pamoto.
Shona SUB 2002 Bible
Usaitira Jehovha Mwari wako saizvozvo; nokuti ivo vakaitira vamwari vavo zvose zvinonyangadza Jehovha, nezvaanovenga; nokuti kunyangwe vanakomana vavo navanasikana vavo vanovapisira vamwari vavo pamoto.